Isaiah 6

Kutumwa kwaIsaya

1Mugore rakafa Mambo Uziya, ndakaona Ishe agere pachigaro choushe, chirefu chakakwirira uye mupendero wenguo dzake wakazadza temberi. 2Kumusoro kwake kwaiva neserafimi, imwe neimwe yaiva namapapiro matanhatu: namapapiro maviri, dzakafukidza uso hwadzo, namaviri dzakafukidza makumbo adzo, uye namaviri dzakanga dzichibhururuka. 3Zvino imwe yaidanidzira kune imwe ichiti:

“Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha Wamasimba Ose;
nyika yose izere nokubwinya kwake.”
4Nokutinhira kwamanzwi adzo, nheyo dzezvikumbaridzo dzakazungunuka uye temberi yakazadzwa noutsi.

5Ipapo ndakachema ndichiti, “Ndine nhamo! Ndaparara! Nokuti ndiri munhu ane miromo ine tsvina uye ndigere pakati pavanhu vane miromo ine tsvina uye meso angu aona Mambo, Jehovha Wamasimba Ose.”

6Ipapo imwe yesarafimi yakabhururukira kwandiri ine zimbe romoto muruoko rwayo, rayakanga yatora nembato kubva paaritari. 7Yakagunzva muromo wangu naro ikati, “Tarira, zimbe iri ragunzva miromo yako; mhosva yako yabviswa uye chivi chako chadzikinurwa.”

8Ipapo ndakanzwa inzwi raJehovha richiti, “Ndiani wandichatuma? Uye ndiani achatiendera?”

Ini ndakati, “Ndiri pano! Nditumei!”

9Iye akati, “Enda undoudza vanhu ava uti,

“ ‘Munogara muchinzwa, asi hamumbonzwisisi;
munogara muchiona, asi hamuonesesi.’
10Ita kuti mwoyo yavanhu ava isindimare;
ita kuti nzeve dzavo dzisanzwisise
uye vatsinzine meso avo.
Nokuti vangaona nameso avo,
nokunzwa nenzeve dzavo,
vakanzwisisa nemwoyo yavo,
vakadzoka vakaporeswa.”
11Ipapo ndakati, “Haiwa, Ishe, kusvikira riniko?”

Iye akapindura achiti,

“Kusvikira maguta ava matongo
uye pasisina anogaramo,
kusvikira dzimba dzasiyiwa dzisina vanhu,
neminda yaparadzwa zvachose,
12kusvikira Jehovha adzingira vanhu kure,
uye nyika yasiyiwa zvachose.
13Uye kunyange kukasara chegumi munyika,
naichowo chichaparadzwa.
Asi somuterabhiniti nomuouki
zvichasara zvava zvigutsa pazvinotemwa,
saizvozvo rudzi rutsvene ruchavawo sechigutsa munyika.”
Copyright information for SnaBDSC